Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 8:31-51

Johani 8:31-51 BDSC

Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.” Ivo vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahama uye hatina kumbova varanda vomumwe munhu. Ungareva sei kuti tichasunungurwa?” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, mumwe nomumwe anotadza ndiye muranda wechivi. Zvino muranda haagari mumhuri nokusingaperi, asi mwanakomana ndiye anogaramo nokusingaperi. Saka kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo. Ndinoziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahama. Asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri. Ndiri kukuudzai zvandakaona pamberi paBaba vangu, uye imi munoita zvamakanzwa kuna baba venyu.” Ivo vakati, “Abhurahama ndivo baba vedu.” Jesu akati, “Dai maiva vana vaAbhurahama, maidai muchiita zvinhu zvakanga zvichiitwa naAbhurahama. Izvozvi muri kutsvaka kundiuraya, munhu akuudzai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Abhurahama haana kuita zvinhu zvakadai. Muri kuita zvinhu zvinoitwa nababa venyu.” Vakapindura vakati, “Isu hatisi vana vakaberekwa muupombwe. Baba vatinavo isu ndiye Mwari bedzi.” Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva Baba venyu, mungadai maindida, nokuti ndakabva kuna Mwari uye iye zvino ndiri pano. Handina kungouya pachangu; asi ndivo vakandituma. Seiko musinganzwisisi kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa zvandinotaura. Imi muri vababa venyu, dhiabhori, uye munoda kuita kuda kwababa venyu. Akanga ari muurayi kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, ndiwo mutauro wokwake iwoyo, nokuti ndiye murevi wenhema uye Baba vadzo. Asi nokuda kwokuti ndinotaura chokwadi, imi hamutendi kwandiri! Ndiani pakati penyu angaratidza kukanganisa kwangu? Kana ndichitaura chokwadi, seiko musinganditendi? Uyo ari waMwari anonzwa zvinorehwa naMwari. Chinoita kuti murege kunzwa ndechokuti imi hamusi vaMwari.” VaJudha vakamupindura vakati, “Hatina kutaura chokwadi here patakati uri muSamaria uye kuti une dhimoni?” Jesu akati, “Handina kubatwa nedhimoni ini, asi ndinokudza Baba vangu uye imi munondizvidza. Handizvitsvakiri kukudzwa; asi aripo mumwe anotsvaka kukudzwa, uye ndiye mutongi. Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.”