Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba muGarirea, asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaikoko vakanga vachitsvaka kumuuraya. Asi Mutambo waMatumba wavaJudha wakati wava pedyo, vanunʼuna vaJesu vakati kwaari, “Munofanira kubva pano muende kuJudhea, kuitira kuti vadzidzi venyu vagoona zvishamiso zvamunoita. Hakuna munhu anoda kuva nomukurumbira anoita zvinhu zvake muchivande. Sezvo muchiita zvinhu izvi, chizviratidzai imi kunyika.” Nokuti kunyange vanunʼuna vake chaivo vakanga vasingatendi kwaari.
Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Nguva yangu yakanaka haisati yasvika; asi kwamuri, nguva ipi zvayo yakangonaka. Nyika haigoni kukuvengai, asi ini inondivenga nokuti ndinopupura kuti zvainoita zvakaipa. Endai henyu imi kuMutambo. Ini handisati ndoenda kuMutambo uyu, nokuti nguva yakanaka kwandiri haisati yasvika.” Akati areva izvi, akagara muGarirea.
Zvisinei hazvo, shure kwokuenda kwavanunʼuna vake kuMutambo, iye akazoendawo, kwete pachena, asi muchivande. Zvino vaJudha vakamutsvaka uye vakabvunza paMutambo kuti, “Murume uya aripiko?”
Vanhu vazhinji vaingozeverana nezvake kwose kwose.
Vamwe vaiti, “Munhu akanaka,” vamwe vachiti, “Kwete, anonyengera vanhu.” Asi kwakanga kusina munhu aitaura izvozvo pachena nokuda kwokutya vaJudha.
Mutambo wakati wava pakati, Jesu ndipo paakazokwidza kutemberi uye akatanga kudzidzisa. VaJudha vakashamiswa uye vakabvunza vakati, “Murume uyu akawana ruzivo rwakadai seiko iye asina kudzidza?”
Jesu akapindura akati, “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu pachangu. Kunobva kuna iye akandituma. Kana munhu akasarudza kuita kuda kwaMwari, achazoona kuti kudzidzisa kwangu kunobva kuna Mwari kana kuti ndinongotaura ndoga. Uyo anotaura zvake anoita izvozvo kuti azviwanire kukudzwa, asi uyo anoshandira kukudzwa kwaiye akamutuma ndiye munhu wechokwadi; hapana zvokunyengera paari. Ko, Mozisi haana kukupai murayiro here? Asi hapana kana mumwe wenyu anochengeta murayiro. Seiko muchiedza kundiuraya?”
Vanhu vazhinji vakapindura vakati, “Une dhimoni iwe. Ndianiko anoda kukuuraya?”
Jesu akati kwavari, “Ndakaita chishamiso chimwe chete, asi imi mose muri kushamiswa nazvo. Asi nokuda kwokuti Mozisi akakupai kudzingiswa (kunyange zvazvo kusina kubva kuna Mozisi, asi kumadzibaba enyu), imi munodzingisa mwana nomusi weSabata. Zvino kana mwana achigona kudzingiswa nomusi weSabata kuti murayiro waMozisi urege kuputswa, seiko muchinditsamwira nokuda kwokuti ndaporesa munhu nomusi weSabata? Regai kutonga nezvinoonekwa zvomunhu, asi tongai zvakarurama.”
Panguva iyoyo vamwe vanhu veJerusarema vakatanga kubvunzana vachiti, “Ko, uyu haasiye murume uya wavari kuedza kuuraya here? Hoyu ari pano, ari kutaura zvake pachena, uye havatauri kana shoko kwaari. Ko, vakuru vatenderana kanhi kuti ndiye Kristu? Asi tinoziva kunobva murume uyu; Kristu paanouya, hakuna munhu achaziva kwaanobva.”
Ipapo Jesu, achiri kudzidzisa ari mutemberi, akadanidzira achiti, “Hongu, munondiziva, uye munoziva kwandinobva. Handisi pano nokuda kwangu, asi uyo akandituma ndiye wechokwadi. Imi hamumuzivi, asi ini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, uye ndiye akandituma.”
Ipapo vakaedza kumubata, asi hapana munhu akaisa ruoko paari, nokuti nguva yake yakanga ichigere kusvika. Kunyange zvakadaro, vazhinji pakati pavanhu vakatenda kwaari. Vakati, “Kristu paanouya, achaita zviratidzo zvizhinji kupfuura murume uyu here?”
VaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachiita zevezeve rezvinhu zvakadai pamusoro pake. Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakatuma varindi vomutemberi kuti vandomusunga.