Ipapo Jesu akataura achiti, “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota. Asi sezvandakakuudzai, makandiona uye hamutendi nazvino. Zvose zvandinopiwa naBaba zvichauya kwandiri, uye ani naani anouya kwandiri handingatongomurasiri kure. Nokuti handina kuburuka kubva kudenga kuti ndizoita kuda kwangu asi kuti ndizoita kuda kwaiye akandituma. Uye uku ndiko kuda kwaiye akandituma, kuti ndirege kurasikirwa navose vaakandipa, asi kuti ndivamutse pazuva rokupedzisira. Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko kuti ani naani anotarira kuMwanakomana agotenda kwaari achava noupenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.”
Ipapo, vaJudha vakatanga kugununʼuna pamusoro pake nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.” Vakati, “Ko, uyu haasi Jesu, mwanakomana waJosefa here, watinoziva baba vake namai vake? Zvino anotaura sei achiti, ‘Ndakaburuka kubva kudenga’?”
Jesu akapindura akati, “Regai kugununʼuna pakati penyu. Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira. Muvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri. Hakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi. Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana mugwenga, asi vakafa. Asi hechino chingwa chinobva kudenga, chinoti kana munhu akadya haangafi. Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.”
Ipapo vaJudha vakatanga kukakavadzana zvikuru pakati pavo vachiti, “Munhu uyu angatipa nyama yake kuti tiidye seiko?”
Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musingadyi nyama yoMwanakomana woMunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, uye ini maari. Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho. Ani naani anodya nyama yangu uye anonwa ropa rangu anogara mandiri, neni maari. Sezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichirarama nokuda kwaBaba, saizvozvo uyo anodya pandiri achararama nokuda kwangu. Ichi ndicho chingwa chakaburuka kubva kudenga. Madzitateguru enyu akadya mana uye akafa, asi ani naani anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Akataura izvi paakanga achidzidzisa ari musinagoge muKapenaume.
Pavakanzwa izvi, vadzidzi vake vazhinji vakati, “Kudzidzisa uku kwakaoma. Ndianiko angakugamuchira?”
Achiziva zvake kuti vadzidzi vake vakanga vachigununʼuna pamusoro paizvozvi, Jesu akati kwavari, “Izvi zvinokugumburai here? Muchaita sei kana mukaona Mwanakomana woMunhu achikwira achienda kwaaimbova kare! Mweya ndiye anopa upenyu, nyama haina chainobatsira. Mashoko andataura kwamuri ndiwo mweya, uye ane upenyu. Asi vamwe venyu varipo vasingatendi.” Nokuti Jesu akanga achiziva kubva pakutanga kuti ndivanaani pakati pavo vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira. Akaenderera mberi achiti, “Ndokusaka ndakuudzai kuti hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge azvipiwa naBaba.”
Kubva panguva iyi vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure uye vakasazomutevera.
Jesu akabvunza vane gumi navaviri akati, “Nemiwo hamusi kuda kuenda here?”
Simoni akati, “Ishe, tichaenda kuna aniko? Imi mune mashoko oupenyu husingaperi. Tinotenda uye tinoziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.”