Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 6:32-35

Johani 6:32-35 BDSC

Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haasi Mozisi akakupai chingwa chakabva kudenga, asi kuti ndiBaba vangu vanokupai chingwa chezvokwadi chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga uye anopa upenyu kunyika.” Ivo vakati, “Ishe, kubva zvino zvichienda mberi, tipei chingwa ichi.” Ipapo Jesu akataura achiti, “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota.