Shure kwaizvozvo, Jesu akakwira kuJerusarema kumutambo wavaJudha. Zvino muJerusarema mune dziva riri pedyo neSuo raMakwai, rinonzi Bhetesdha nechiHebheru, uye rakapoteredzwa namabiravira mashanu. Imomo vanhu vazhinji vakaremara vaisivatamo, mapofu, zvirema navakafa mitezo. Nguva nenguva mutumwa waShe aiburukiramo achibvongodza mvura. Munhu aitanga kupinda mudziva shure kwenguva ipi zvayo yainge yabvongodzwa mvura aiporeswa pachirwere chipi zvacho chaainge anacho. Mumwe murume akanga arimo akanga arwara kwamakore makumi matatu namasere. Jesu akati amuona avete imomo, uye aiziva kuti akanga aita mararamiro iwayo kwenguva refu, akamubvunza akati, “Unoda kuporeswa here?” Murwere akati, “Ishe, handina munhu anondibatsira kuti ndipinde mudziva mvura painenge yabvongodzwa. Ndichiri kuedza kupinda, mumwe anonditangira.” Ipapo Jesu akati kwaari, “Simuka! Tora rukukwe rwako ufambe.” Pakarepo murume uyu akaporeswa; akatora rukukwe rwake akafamba. Zuva rakaitika izvi raiva reSabata.
Verenga chikamu Johani 5
Terera ku Johani 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 5:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo