“Zvino ini ndiri kuuya kwamuri, asi ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri munyika, kuitira kuti vave nomufaro wangu wakazara mukati mavo. Ndakavapa shoko renyu uye nyika yakavavenga, nokuti havachisiri venyika sezvandisiri wenyika. Munyengetero wangu hausi wokuti muvabvise panyika asi kuti muvadzivirire pane akaipa. Havasi venyika, seni ndisiri wenyika. Vaitei vatsvene nechokwadi chenyu; shoko renyu ndiro chokwadi. Sezvamakandituma munyika, neniwo ndakavatuma munyika. Nokuda kwavo ndinozviita mutsvene, kuti naivowo vaitwe vatsvene muzvokwadi.
Verenga chikamu Johani 17
Terera ku Johani 17
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 17:13-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo