Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 16:1-6

Johani 16:1-6 BDSC

“Ndakuudzai zvose izvi kuitira kuti murege kutsauka. Vachakubudisai musinagoge; chokwadi ndechokuti, nguva iri kuuya yokuti munhu anokuurayai achafunga kuti ari kushandira Mwari. Vachaita zvinhu zvakadai nokuti havana kuziva Baba kana ini. Ndakuudzai izvi, kuitira kuti kana nguva yacho yasvika, imi mucharangarira kuti ndakakuyambirai. Handina kukutaurirai izvi pakutanga nokuti ndakanga ndinemi. “Zvino ndava kuenda kune akandituma, asi hakuna mumwe wenyu anondibvunza kuti, ‘Muri kuendepiko?’ Nokuti ndataura zvinhu izvi, mwoyo yenyu yazara neshungu.