Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 14:16-19

Johani 14:16-19 BDSC

Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi, iye Mweya wechokwadi. Nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni uye haimuzivi. Asi imi munomuziva, nokuti agere nemi uye achava mukati menyu. Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri. Chinguva chiduku nyika haichazondionizve, asi imi muchandiona. Nokuti ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu.