Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 12:23-26

Johani 12:23-26 BDSC

Jesu akapindura akati, “Nguva yasvika yokuti Mwanakomana woMunhu akudzwe. Ndinokuudzai chokwadi, kana tsanga yegorosi ikasawira muvhu ikafa, inongoramba ichingova yoga. Asi kana ikafa, inobereka mbeu dzakawanda. Munhu anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi munhu anovenga upenyu hwake munyika ino achahuchengetera upenyu husingaperi. Ani naani anondishandira anofanira kunditevera; uye pandinenge ndiri, muranda wangu achavapowo ipapo. Baba vangu vachakudza munhu uyo anondishandira.