Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara. “Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake. Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira. Munhu uyu anotiza nokuti mushandi zvake uye haana hanya namakwai. “Ndini mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva, Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu.
Verenga chikamu Johani 10
Terera ku Johani 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 10:10-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo