Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 6:25-27

Vatongi 6:25-27 BDSC

Usiku hwacho ihwohwo Jehovha akati kwaari, “Tora hando yechipiri kubva pamombe dzababa vako iyo ina makore manomwe. Uputsire pasi aritari yababa vako yaBhaari uye ugotema danda raAshera riri pairi. Ipapo ugovakira Jehovha Mwari wako aritari kwayo pamusoro penhare iyi. Utore hando yechipiri ugoibayira sechipiriso chinopiswa uchishandisa huni dzedanda raAshera rawakatema.” Saka Gidheoni akatora varanda vake gumi akaita sezvaakaudzwa naJehovha. Asi nokuda kwokuti akanga achitya vemhuri yake uye navanhu vomuguta, akaita izvi usiku pano kuzviita masikati.