Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobho 1:22-25

Jakobho 1:22-25 BDSC

Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva. Ani naani anoteerera kushoko asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira chiso chake muchionioni uye, mushure mokuzvitarira, anoenda uye nokukurumidza anokanganwa kuti anoratidzika sei. Asi munhu anonyatsotarisa mumurayiro wakakwana uyo unopa rusununguko, uye achiramba achiita izvozvo, asingakanganwi zvaanzwa, asi achizviita, acharopafadzwa pane zvaanoita.