Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobho 1:1-8

Jakobho 1:1-8 BDSC

Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi namaviri akapararira pakati pendudzi: Kwaziwai. Hama dzangu, muti mufaro chaiwo, pose pamunosangana nemiedzo mizhinji yemhando dzose, nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu. Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake. Asi paanokumbira, anofanira kutenda asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye rinomutswa-mutswa nemhepo. Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu chipi zvacho kubva kuna She; munhu ane mwoyo miviri, anongoshanduka-shanduka mune zvose zvaanoita.