“Imba, iwe mukadzi asina mwana, iwe usina kumbobereka mwana pururudza uimbe rwiyo, pembera nomufaro, iwe usina kumborwadziwa; nokuti vana vomukadzi akasiyiwa ari oga vazhinji kupfuura veane murume,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Wedzera nzvimbo yetende rako, tambanudza micheka yetende rako ifare, usarega kuita izvozvo; rebesa tambo dzako, simbisa mbambo dzako. Nokuti uchapararira kurudyi nokuruboshwe; vana vako vachatorera dzimwe ndudzi uye vachagara mumatongo amaguta avo. “Usatya hako: haunganyadziswi. Usatya kunyadziswa; haunganinipiswi. Uchakanganwa nyadzi dzapaudiki hwako, uye hauzorangaririzve kunyadzisa kwouchirikadzi hwako.
Verenga chikamu Isaya 54
Terera ku Isaya 54
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 54:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo