Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 53:2-5

Isaya 53:2-5 BDSC

Akamera pamberi pake sebukira nyoro, uye somudzi pavhu rakaoma. Akanga asina runako kana chimiro choumambo kuti atikwezve kwaari, hapana chatingada pakuratidzika kwake. Akazvidzwa uye akarambwa navanhu, murume wokusuwa, uye anoziva kutambudzika. Somunhu anovanzirwa chiso navanhu, akazvidzwa, uye isu hatina kumukudza. Zvirokwazvo akatakura matenda edu, uye akatakura kurwadziswa kwedu; asi isu takafunga kuti akarohwa naMwari, akarohwa naye uye akarwadziswa. Asi akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu, akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake, uye namavanga ake takaporeswa.