Zvanzi naJehovha: “Munguva yangu yakafanira, ndichakupindura, uye pazuva roruponeso ndichakubatsira; ndichakuchengeta uye ndichakuita kuti uve sungano yavanhu, kuti uvandudze nyika uye uvagarise patsva nhaka yakaparara, kuti uti kunhapwa, ‘Budai,’ nokuna avo vari murima, ‘Uyai muchiedza!’ “Vachadya zvokudya parutivi rwenzira, uye vachawana mafuro pazvikomo zvose zvisina zvibereko. Havangavi nenzara kana nyota, havangabayiwi nokupisa kwegwenga, kana nokupisa kwezuva. Iye anovanzwira tsitsi achavatungamirira, uye achavafambisa napazvitubu zvemvura. Ndichashandura makomo angu ose kuti ave migwagwa, uye migwagwa yangu mikuru ichasimudzirwa. Tarirai vachauya vachibva kure: vamwe vachibva nechokumusoro, vamwe nechokumavirazuva, vamwe nokurutivi rweAsiwani.”
Verenga chikamu Isaya 49
Terera ku Isaya 49
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 49:8-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo