Tarirai guta rakatendeka rava chifeve sei! Iro rakanga rizere nokururamisira; kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara mhondi! Sirivha yako yava nengura, waini yako yakavhenganiswa nemvura. Machinda ako vapanduki, ishamwari dzembavha; vose vanoda fufuro, uye vanomhanyira zvipo. Havana hanya nokudzivirira nherera; mhaka yechirikadzi haiuyiswi pamberi pavo. Naizvozvo Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, Anesimba waIsraeri, anotaura achiti, “Haiwa, ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavadzivisi vangu, nokuzvitsivira vavengi vangu. Ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri; ndichapedza chose ngura yako ndigobvisa kusachena kwako kwose. Ndichadzosera vatongi vako sapamazuva akare, namakurukota ako sapamazuva okutanga. Shure kwaizvozvo uchanzi Guta Rokururama, Guta Rakatendeka.” Zioni richadzikinurwa nokururamiswa, navanotendeuka varo, nokururama. Asi vapanduki navatadzi vachaparadzwa vose, uye vose vanosiya Jehovha vachaparara. “Nokuti muchanyadziswa nokuda kwemiti yomuouki yamunoeresa, yamunofadzwa nayo; muchanyadziswa nokuda kwamapindu amakasarudza. Muchafanana nomuouki wasvava mashizha, sebindu risina mvura. Murume ane simba achava serwodzi nebasa rake sesasaradzi; zvose zvichatsva pamwe chete, pasina achadzima moto.”
Verenga chikamu Isaya 1
Terera ku Isaya 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 1:21-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo