“Zvibayiro zvenyu zvizhinji, zvinyiko kwandiri?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Zvibayiro zvinopiswa zvawandisa, zvamakondobwe namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; Handifadzwi neropa renzombe, ramakwayana nerembudzi. Pamunouya kuzozviratidza pamberi pangu, ndianiko akambokukumbirai izvi kwamuri, naikoku kutsika-tsika pavazhe dzangu? Regai kuuya nezvipiriso zvisina maturo! Zvinonhuhwira zvenyu zvinondinyangadza. Nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata nenguva dzekokorodzano, handigoni kufarira ungano dzenyu dzakaipa. Mitambo yenyu yoKugara kwoMwedzi nemitambo yenyu yakatsaurwa inovengwa nomweya wangu. Zvava mutoro kwandiri; ndaneta nokuzvitakura. Pamunotambanudza maoko enyu muchinyengetera, ini ndichakuvanzirai chiso changu; kunyange mukawanza munyengetero, handisi kuzokunzwai. Maoko enyu azere neropa; shambai muzvinatse. Bvisai mabasa enyu akaipa pamberi pangu! Regai kuita zvakaipa, dzidzai kuita zvakarurama. Tsvakai kururamisira, kurudzirai vakamanikidzwa. Dzivirirai nherera, mukumbirire chirikadzi.
Verenga chikamu Isaya 1
Terera ku Isaya 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 1:11-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo