Naizvozvo ngatisiyei dzidziso dzokutanga pamusoro paKristu uye tipfuurire mberi mukukura, tisingaisizve nheyo dzokutendeuka kubva pamabasa anotungamirira kurufu, uye nokutenda muna Mwari, dzidziso pamusoro pokubhabhatidzwa nedzokuisa maoko pamusoro, dzokumuka kubva kuvakafa, uye nedzokutongwa kusingaperi. Uye kana Mwari achitendera, ndizvo zvatichaita. Nokuti hazvigoni kuti vaya vakambovhenekerwa, vaya vakamboravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene, vakaravira kunaka kweshoko raMwari uye namasimba enyika inouya, kuti vatendeukezve mushure mokunge vatsauka, nokuti pakurasikirwa kwavo vanorovererazve Mwanakomana waMwari, vachimunyadzisa pachena. Nyika inonwa mvura inonaya nguva nenguva pamusoro payo uye inobereka zvirimwa zvinobatsira avo vanoirima, ndiyo inoropafadzwa naMwari. Asi nyika inobereka minzwa norukato haibatsiri uye ine dambudziko rokuti ichatukwa. Pakupedzisira ichapiswa. Kunyange zvazvo tichitaura sezvizvi, hama dzinodikanwa, tinoziva kwazvo kuti kwamuri kuchabva zvinhu zviri nani, zvinhu zvinoshanda pamwe chete noruponeso. Mwari haazi asina kururama; haangakanganwi basa renyu norudo rwamakamuratidza pamaibatsira vanhu vake uye kuti muchiri kuramba muchivabatsira. Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ave nokushingaira kumwe cheteko kusvikira kumagumo, kuitira kuti muve nechokwadi chetariro yenyu. Hatidi kuti muve simbe, asi kuti muve vateveri vaavo vanodya nhaka yakavimbiswa kubudikidza nokutenda nokutsungirira.
Verenga chikamu VaHebheru 6
Terera ku VaHebheru 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 6:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo