Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 6:1-12

VaHebheru 6:1-12 SCLB

Naizvozvo ngatichimbosiyai zvidzidzo zvechikristu zvokutanga, tiende mberi kuzvidzidzo zvechikuru, tirege kunge tichadzokerazve mukuvaka ugaro hwezvokupinduka kubva kumabasa akafa, nehwezvechitendero kuna Mwari kana kuti nezvidzidzo zvoruombeko rwakasiyana–siyana, kana nezvokuisa vanhu maoko pamusoro, kana kutiwo nezvokumuka kwavakafa, kana nezvokutongwa kunogara nokusingaperi. Izvi tichazviita zvedu kana Mwari achitibvumira. Nokuti hazvikwanisiki kudzora vanhu vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chedenga, vakagoveranawo Mweya Mutsvene, vakaravira kunaka kweShoko raMwari nesimba roupenyu huchauya, asi vakazorasika; nokuti vanoroverera mavari ivo Mwanakomana waMwari pamuchinjikwa, vachimunyadzisa pachena. Zvinodaro nokuti ivhu rinonwa mvura inowanzorinaya richizobereka zvirimwa zvinobatsira vazvakarimirwa, rinokomborerwa naMwari. Asi kana robereka minzwa nedonzvambeva nesosowori, harina maturo. Ratova padyo nokunyobwa; mugumo waro kupiswa. Kunyange zvedu tichitaura nomutowo iwoyu, asi kwamuri, vadikanwi, tinechokwadi chokuti munezvinhu zviri nani zvoruponeso. Mwari haakundiki paruenzaniso. Hazviitiki kuti akanganwe basa renyu norudo rwamakatira vatsvene pamusana pake, sezvamuchiri kungoita. Tinodisisa kuti mumwe nomumwe wenyu aratidze shungu dzimwechetedzo dzokuti zvatinotarisira izvi zviitike, uye agoramba achingodaro kusvikira kumagumo, kuti murege kungoneta–neta, asi kuti murambe muchingotevedzera avo vanowana nhaka yezvakavimbiswa pamusana pechitendero chavo nokusarasa mwoyo kwavo.

Verenga chikamu VaHebheru 6