Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 12:14-17

VaHebheru 12:14-17 BDSC

Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe. Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anorasikirwa nenyasha dzaMwari kuitira kuti mudzi wokuvava urege kumera kuti ugotambudza uye ugosvibisa vazhinji. Chenjerai kuti kurege kuva nevanoita upombwe, kana nousina umwari saEsau, uyo akatengesa nhaka youdangwe hwake nokuda kwokudya kamwe chete. Nokuti sezvamunoziva kuti pashure akati oda kugamuchira nhaka yokuropafadzwa, akarambwa. Nokuti haana kutendeuka, kunyange zvake akatsvaka mukomborero uyo nemisodzi.