Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 11:8-22

VaHebheru 11:8-22 BDSC

Nokutenda Abhurahama, akati adanwa kuti aende kunzvimbo iyo yaaizogamuchira kuti ive nhaka yake, akateerera akaenda, kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaaienda. Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, saanogara munyika yavamwe; akagara mumatende, sezvakaita Isaka naJakobho, vakanga vari vadyi venhaka yechipikirwa pamwe chete naye. Nokuti akanga achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro. Nokutenda Abhurahama, kunyange zvake akanga apfuura zera, uye Sara pachake akanga asingabereki, akapiwa simba rokuva baba, nokuti akati iye akamupikira akatendeka. Uye nokudaro kubva pamunhu mumwe, akanga oita seafa, kwakava nezvizvarwa zvakawanda senyeredzi dzokudenga, zvisingaverengeki sejecha pamahombekombe egungwa. Vanhu ava vose vakanga vachirarama nokutenda kusvikira panguva yokufa. Havana kuwana zvinhu zvavakavimbiswa; vakangozviona chete vakazvigamuchira zviri kure. Uye vakabvuma kuti ivo vakanga vari vaeni navatorwa panyika. Vanhu vanotaura zvinhu zvakadai vanoratidza kuti vari kutsvaka nyika yavo chaiyo. Dai vakanga vachifunga nyika yavakabva kwairi vangadai vakawana mukana wokudzokera. Asi vakanga vachishuva nyika yakanaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti anzi Mwari wavo, nokuti akavagadzirira guta. Nokutenda Abhurahama, paakaedzwa naMwari, akapa Isaka sechibayiro. Iye akanga agamuchira zvipikirwa akanga obayira mwanakomana wake mumwe oga, kunyange zvazvo Mwari akanga akati kwaari, “Nokuna Isaka zvizvarwa zvako zvichazovapo.” Abhurahama akafunga akati Mwari aigona kumutsa vakafa, uye tichitaura nomufananidzo, akagamuchira Isaka kubva kuvakafa. Nokutenda Isaka akaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvaizoitika. Nokutenda Jakobho, paakanga ava kufa akaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa, uye akanamata akazendamira pamusoro pomudonzvo wake. Nokutenda, Josefa, magumo ake ava pedyo, akataura zvokubuda kwavaIsraeri kubva muIjipiti uye akarayira pamusoro pamapfupa ake.