Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungagoni kuita kuti avo vanoswedera, kuti vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibayiro zvimwe chetezvo zvavanoramba vachibayira kuna Mwari, vakwaniswe. Dai zvaigona kudaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here? Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazve mhosva yezvivi zvavo gore roga roga, nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi. Naizvozvo Kristu, paakauya munyika muno, akati: “Chibayiro nechipo hamuna kuzvifarira, asi muviri wamakandigadzirira; zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi hamuna kufadzwa nazvo. Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano, mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu, ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ” Pakutanga akati, “Zvibayiro nezvipiriso, zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvida, kana kufadzwa nazvo (kunyange zvazvo murayiro waida kuti zviitwe).”
Verenga chikamu VaHebheru 10
Terera ku VaHebheru 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 10:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo