Vanakomana vaNoa vakabuda muareka vaiva Shemu, Hamu naJafeti. (Hamu akanga ari baba vaKenani.) Ava ndivo vakanga vari vanakomana vatatu vaNoa, uye kwavari ndiko kwakabva vanhu vakapararira pamusoro penyika. Noa akava murimi, akarima munda wamazambiringa. Akati anwa imwe yewaini yawo, akadhakwa uye akavata akashama mutende rake. Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake akaudza mukoma wake nomununʼuna vake vaiva panze. Asi Shemu naJafeti vakatora nguo vakayiisa pamapfudzi avo; ipapo vakafamba nenhendashure vakafukidza baba vavo pakusasimira kwavo. Zviso zvavo zvakanga zvakatarisa parutivi kuitira kuti varege kuona kusasimira kwababa vavo. Noa akati amuka kubva pawaini yake uye akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku, akati, “Kenani ngaatukwe! Achava muranda wavaranda kuvakuru vake.” Akatiwo, “Ngaakudzwe Jehovha, Mwari waShemu! Kenani ngaave muranda waShemu. Mwari ngaakurise nyika yaJafeti; Jafeti ngaagare mumatende aShemu, uye Kenani ngaave muranda wake.” Shure kwamafashamu, Noa akararama kwamakore mazana matatu namakumi mashanu. Pamwe chete, Noa akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi mashanu, uye akafa.
Verenga chikamu Genesisi 9
Terera ku Genesisi 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesisi 9:18-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo