Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 41:14-16

Genesisi 41:14-16 BDSC

Saka Faro akatuma vanhu kuna Josefa, uye akakurumidza kubudiswa mugomba. Akati aveurwa musoro uye apfeka dzimwe nguo, akauya pamberi paFaro. Faro akati kuna Josefa, “Ndakarota hope, uye hakuna munhu akagona kudzidudzira. Asi ndanzwa zvarehwa nezvako kuti paunonzwa kurota uku, unogona kukududzira.” Josefa akapindura Faro akati, “Ini handigoni kuzviita, asi Mwari achapa Faro mhinduro yaanoda.”