Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 37:5-11

Genesisi 37:5-11 BDSC

Josefa akarota hope, uye paakaudza madzikoma ake izvozvo, vakanyanya kumuvenga. Akati kwavari, “Inzwai hope dzandakarota idzi: Takanga tichisunga zvisote zvezviyo kumunda onei pakarepo chisote changu chakasimuka chikamira chakati twi, asi zvisote zvenyu zvakaungana zvakapoteredza changu uye zvikakotama kwachiri.” Madzikoma ake akati kwaari, “Ko, iwe unoda kutitonga here? Ko, zvirokwazvo uchatitonga here iwe?” Uye vakanyanyisa kumuvenga nokuda kwokurota kwake uye nokuda kwezvaakanga ataura. Ipapo akarotazve dzimwe hope, uye akadzitaura kumadzikoma ake. Akati, “Inzwai, ndarota dzimwe hope, uye panguva iyi zuva nomwedzi nenyeredzi gumi neimwe zvanga zvichindipfugamira.” Paakaudza baba vake pamwe chete namadzikoma ake, baba vake vakamutsiura vakati, “Kurotai kwawakaita uku? Ko, mai vako neni namadzikoma ako tichauya kuzokupfugamira here iwe zvirokwazvo?” Madzikoma ake akamuitira godo, asi baba vake vakazvichengeta mumwoyo mavo.