Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 37:5-11

Genesi 37:5-11 SNA2002

Zvino Josefa akarota hope, akaudza vakoma vake, ipapo vakanyanya kumuvenga. Akati kwavari, “Inzwaiwo hope dzangu dzandarota. Tarirai, takanga tichisunga zvisote mumunda, onei chisote changu chikasimuka, chikaramba chimire; ndikaona zvisote zvenyu zvichikomba changu, zvikakotama pamberi pechisote changu.” Vakoma vake vakati kwaari, “Ko iwe uchabata ushe pamusoro pedu kani? Ko iwe uchava nesimba pamusoro pedu kani?” Vakanyanya kumuvenga nokuda kwokurota kwake nokwamashoko ake. Akapamha kurotazve, akaudza vakoma vake, akati, “Tarirai, ndarotazve dzimwe hope; ndakaona zuva, nomwedzi, nenyeredzi dzine gumi neimwe, dzichikotamira pamberi pangu.” Akaudza baba vake navakoma vake izvozvo; baba vake vakamutuka, vakati kwaari, “Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi? Ini namai vako navakoma vako tichauya tikakotama pasi pamberi pako kani?” Vakoma vake vakamugodora; asi baba vake vakachengeta shoko iro.

Verenga chikamu Genesi 37