Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 2:22-24

Genesisi 2:22-24 BDSC

Ipapo Jehovha Mwari akaita mukadzi kubva parumbabvu rwaakanga abvisa pamunhu, uye akamuuyisa kumurume. Murume akati, “Zvino uyu ibvupa ramapfupa angu nenyama yenyama yangu; achanzi ‘mukadzi’, nokuti akatorwa kubva pamurume.” Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.