Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 18:1-8

Genesisi 18:1-8 BDSC

Jehovha akazviratidza kuna Abhurahama pedyo nemiti mikuru yeMamure panguva yaakanga agere pamukova wokupinda patende rake masikati zuva richipisa. Abhurahama akasimudza meso ake ndokuona varume vatatu vamire naye. Akati avaona, akamhanya achibva pamukova wetende rake kuti andosangana navo uye akakotamira pasi. Akati, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu, musapfuura henyu muranda wenyu. Regai muvigirwe mvura shoma, mugoshamba tsoka dzenyu mose uye mugozorora pasi pomuti uyu. Regai ndikutorerei zvokudya kuti mudye, kuitira kuti musimbiswe ipapo mugoenderera henyu mberi norwendo rwenyu, sezvo zvino masvika pamuranda wenyu.” Vakapindura vakati, “Zvakanaka, ita hako sezvawareva.” Saka Abhurahama akakurumidza kuenda kutende kuna Sara. Akati kwaari, “Kurumidza, tora zviero zvitatu zvoupfu hwakatsetseka uhukanye ugobika chingwa.” Ipapo iye akamhanyira kumombe akandosarudza mhuru yakaisvonaka, akaipa kumuranda, uyo akakurumidza kuigadzira. Ipapo akauyisa ruomba nomukaka uye nemhuru yakanga yagadzirwa, akazvigadzika pamberi pavo. Pavakanga vachidya, akamira pedyo navo pasi pomuti.