Jehovha akanga ati kuna Abhurama, “Siya nyika yako, vanhu vako neimba yababa vako uye uende kunyika yandichakuratidza. “Ndichakuita rudzi rukuru uye ndichakuropafadza; ndichaita kuti zita rako rive guru, uye iwe uchava ropafadzo. Ndicharopafadza vaya vanokuropafadza, uye ani naani anokutuka ndichamutuka; uye marudzi ose ari panyika acharopafadzwa kubudikidza newe.” Saka Abhurama akabva, sezvaakanga audzwa naJehovha; uye Roti akaenda naye. Abhurama akanga ava namakore makumi manomwe namashanu okuberekwa paakasimuka kubva paHarani. Akatora mukadzi wake Sarai, mwanakomana womununʼuna wake Roti, pfuma yose yavakanga vava nayo, navanhu vavakanga vawana muHarani, uye vakasimuka vakaenda kunyika yeKenani, uye vakasvika ikoko.
Verenga chikamu Genesisi 12
Terera ku Genesisi 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesisi 12:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo