Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaGaratia 6:11-18

VaGaratia 6:11-18 BDSC

Tarirai kukura kwamavara andinoshandisa sezvo ndichikunyorerai imi noruoko rwangu! Avo vanoda kuzviratidza kuti vakanaka nechokunze vanoedza kukumanikidzai kuti mudzingiswe. Vanongoita izvi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu. Kunyange naivo vakadzingiswa havateereri murayiro, asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vagozvikudza pamusoro penyama yenyu. Ini ngandirege kutongozvikudza kunze kwomumuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, uyo kubudikidza nawo nyika yakarovererwa kwandiri, uye ini kunyika. Kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvirevi chinhu; chinokosha ndiko kuva chisikwa chitsva. Rugare nengoni kuna avo vanotevera murayiro uyu, kunyange kuIsraeri yaMwari. Pakupedzisira, ngakurege kuva nomunhu anonditambudza, nokuti ndakatakura mumuviri wangu mavanga aJesu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni.