Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaGaratia 4:8-20

VaGaratia 4:8-20 BDSC

Kare, pamakanga musingazivi Mwari, makanga muri nhapwa kuna avo vakanga vasiri vamwari chaivo. Asi zvino zvamava kuziva Mwari, kana kuti munozivikanwa naMwari, seiko mava kudzokera kune zvokuvamba zvisina simba uye zvinonzwisa urombo? Munodazve kuitwa nhapwa nazvo here? Muri kucherechedza mazuva akasarudzika uye mwedzi nemwaka namakore! Ndinokutyirai kuti zvichida ndakatambisa simba rangu pamusoro penyu. Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kunditadzira. Sezvamunoziva imi, kuti nokuda kwourwere ndakatanga kuparidza vhangeri kwamuri. Kunyange zvazvo kurwara kwangu kwaiva muedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundimhura. Asi, makandigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, sokunge ndakanga ndiri Jesu Kristu chaiye. Ko, chii chakaitika kumufaro wenyu wose uya? Ndinogona kupupura kuti dai zvaibvira, mungadai makatumbura meso enyu makaapa kwandiri. Zvino ndava muvengi wenyu zvandakuudzai chokwadi here? Vanhu ivavo vanoshingaira kuti vakubatei, asi pazvinhu zvisina kunaka. Zvavanoda ndezvokukutsausai kubva kwatiri, kuitira kuti imi mugovashingairira. Zvakanaka kwazvo kushingaira, kana chinangwa chacho chakanaka, uye kuti muite izvozvo nguva dzose kwete kana ndinemi bedzi. Vana vangu vanodikanwa, vandinotamburirazve pakubereka kusvikira Kristu aumbwa mamuri, ndaida sei kuti ndive nemi zvino uye ndishandure matauriro angu, nokuti ndiri kukanganisika nokuda kwenyu.