Ezekieri 40
40
Nzvimbo Itsva yeTemberi
1Mugore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, pazuva regumi romwedzi, mugore regumi namana, mushure kwokukundwa kweguta, pazuva racho iroro ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu uye akandiendesako. 2Pane zvandakaratidzwa naMwari akanditora akandiendesa kunyika yeIsraeri akandimisa pagomo refu refu, zasi kwaro kwakanga kune dzimba dzakanga dzichiratidzika seguta. 3Akandiendesa ikoko, ndikaona munhu akanga achiratidzika sendarira; akanga akamira pasuo ane tambo yomucheka netsvimbo yokueresa muruoko rwake. 4Murume uyu akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako unzwe nenzeve dzako uye uongorore zvose zvandichakuratidza, nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvi. Utaurire imba yaIsraeri zvose zvaunoona.”
Suo roKumabvazuva roRuvazhe rwoKunze
5Ndakaona rusvingo rwakanga rwakapoteredza nzvimbo yose yetemberi. Urefu hwetsvimbo yokuera yakanga iri muruoko rwomurume uyu hwaisvika makubhiti matanhatu#40:5 0.5 yemita , rimwe nerimwe richiita kubhiti rimwe chete noupamhi hwechanza#40:5 masendimita angaita 8. Akayera rusvingo; ukobvu hworusvingo hwakanga huchiita tsvimbo yokuyera imwe chete, uye urefu huchiita tsvimbo imwe chete.
6Ipapo akaenda kusuo rakatarisa kumabvazuva. Akakwira nezvikwiriso zvaro ndokuyera chikumbaridzo chesuo; chakanga chichiita tsvimbo imwe chete pakudzika. 7Makamuri avarindi akanga akaenzana netsvimbo imwe chete yokuyera paurefu uye tsvimbo imwe chete paupamhi, uye masvingo apakati pamakamuri akanga ari makubhiti mashanu paukobvu. Uye chikumbaridzo chesuo rakanga riri parutivi rwebiravira rakatarisana netemberi chaiita tsvimbo imwe chete pakudzika.
8Ipapo akayera biravira resuo; 9rakanga rakadzika kwamakubhiti masere uye mbiru dzacho makubhiti maviri paukobvu. Biravira resuo rakanga rakanangana netemberi.
10Mukati mesuo rokumabvazuva makanga muna makamuri matatu parutivi rumwe norumwe; ose ari matatu akanga ane chiyero chakaenzana. 11Ipapo akayera upamhi hwomukova wokusuo; wakanga una makubhiti gumi uye urefu hwacho hwaisvika makubhiti gumi namatatu. 12Pamberi pekamuri rimwe nerimwe pakanga pane madziro akareba kubhiti rimwe chete, uye makamuri akanga ana makubhiti matanhatu akaenzana. 13Ipapo akayera musuo kubva nechokumusoro kwamadziro kumashure kwerimwe ramakamuri nechokumusoro kwakatarisana nerimwe; nhambwe dzakanga dzichisvika makubhiti makumi maviri namashanu kubva pakazaruka pamadziro kusvikira kuno rumwe rutivi rwakatarisana nawo. 14Akayera pakatarisana namasvingo aionekwa achipoteredza nechomukati mesuo, makubhiti makumi matanhatu. Akayera kusvika pabiravira rakatarisana noruvazhe. 15Nhambwe dzaibva pamukova wesuo kusvikira kwokupedzisira kwebiravira dzakanga dziri makubhiti makumi mashanu. 16Makamuri namasvingo aionekwa omukati mesuo akanga akavharirwa nechidziro namawindo maduku akapoteredza, sezvakanga zvakaita pabiravira; napamawindo akapoteredza akatarisa nechomukati; mberi kwamasvingo kwakanga kwakashongedzwa nemiti yemichindwe.
Ruvazhe rwoKunze
17Ipapo akandipinza muruvazhe rwokunze. Ndakaona dzimba ikoko uye nzira dzakanga dzakavakirwa dzakakomberedza ruvazhe; makanga muna makamuri makumi matatu aiva mujinga menzira yakavakirwa. 18Yakanga yakaganhurana norutivi rwamasuo uye yakaenzana paupamhi sokureba kwadzakanga dzakaita; ndiyo yakanga iri nzira yakavakirwa yenyasi. 19Ipapo akayera nhambwe kubva nechomukati kwerutivi rwesuo rezasi kusvikira kunze kworuvazhe rwomukati; rwakanga runa makubhiti zana nechokumabvazuva, uye nechokumusorowo.
Suo roKumusoro
20Ipapo akayera urefu noupamhi hwesuo rakatarisana nechokumusoro raienda kuruvazhe rwokunze. 21Makamuri aro, matatu kurutivi rumwe norumwe, masvingo aro aionekera nebiravira raro zvakanga zvakaenzana nezviya zvesuo rokutanga. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye rina makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi. 22Mawindo aro, mabiravira aro uye miti yokushongedza yemichindwe, zvakanga zvakangoenzana nezviya zvesuo rakanga rakatarisa kumabvazuva. Zvikwiriso zvinomwe ndizvo zvaisvitsa ikoko, zvakatarisana nebiravira racho. 23Pakanga pane suo rinopinda muruvazhe rwomukati rakanga rakanangana nesuo rokumusoro, sezvazvakanga zvakaitawo nechokumabvazuva. Akayera kubva pane rimwe suo kusvikira pane rakanangana naro; aiva makubhiti zana.
Suo reZasi
24Ipapo akanditungamirira kurutivi rwezasi ndikaona suo rakatarisa zasi. Akayera mbiru dzaro namabiravira aro, uye akanga akangoenzana namamwe pakuyera. 25Suo nebiravira raro zvaiva namawindo maduku aipoteredza, samawindo amamwe. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye rine upamhi huna makubhiti makumi maviri namashanu. 26Zvikwiriso zvinomwe ndizvo zvaisvitsa ikoko, zvakatarisana nebiravira racho; rakanga rine miti yokushongedza yemichindwe pamadziro aionekera kurutivi rumwe norumwe. 27Ruvazhe rwomukati nairwowo rwakanga rune suo rakatarisa zasi, uye akayera kubva pasuo iri kusvika kusuo rokunze kurutivi rwezasi; aiva makubhiti zana.
Masuo okuRuvazhe rwoMukati
28Ipapo akaenda neni kuruvazhe rwomukati achipinda napasuo rezasi, uye akayera suo rezasi; rakanga rakaenzana namamwe pakuyera. 29Makamuri aro, namadziro anoonekera uye namabiravira aro, akanga akaenzana namamwe pakuyera. Suo nebiravira raro zvakanga zvina mawindo akazvipoteredza. Akanga akareba makubhiti makumi mashanu noupamhi huna makubhiti makumi maviri namashanu. 30Mabiravira emasuo akanga akapoteredza ruvazhe rwomukati akanga ane upamhi huna makubhiti makumi maviri namashanu uye makubhiti mashanu pakudzika. 31Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; miti yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru dzaro, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko.
32Ipapo akandipinza muruvazhe rwomukati nechokumabvazuva, iye ndokuyera suo; rakanga rakangoenzana namamwe pakuyera. 33Makamuri aro namadziro aro aionekera nebiravira racho zvakanga zvakaenzana nezvimwe pakuyera. Suo nebiravira raro zvakanga zvina mawindo kumativi ose. Zvakanga zvakareba makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi. 34Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; miti yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru kumativi ose, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko.
35Ipapo akaenda neni kusuo rokumusoro ndokuriyera. Rakanga rakangoenzana namamwe pakuyera, 36sezvakanga zvakaitawo makamuri aro, namadziro aro aionekera uye biravira racho, uye rakanga rina mawindo kumativi ose. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi. 37Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; miti yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru kumativi ose, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko.
Makamuri oKugadzirira Zvibayiro
38Kamuri rino mukova rakanga riri pabiravira pasuo rimwe nerimwe rechomukati, kwaisukirwa zvibayiro zvinopiswa. 39Mubiravira rapasuo makanga muna matafura maviri pamativi ose, paiurayirwa zvibayiro zvinopiswa, zvezvivi nezvemhosva. 40Kurutivi rwokunze rworusvingo rwebiravira repasuo, pedyo nezvikwiriso zvapamukova nechokumusoro kwesuo rokumusoro kwakanga kune matafura maviri, uye kuno rumwe rutivi rwezvikwiriso kwaivawo namatafura maviri. 41Saka kwakanga kuna matafura mana parutivi rwesuo uye mamwezve mana kuno rumwe rutivi, matafura masere munzvimbo dzose, pakanga pachiurayirwa zvibayiro. 42Kwakanga kuna mamwezve matafura mana amabwe akashongedzwa ezvibayiro zvinopiswa, rimwe nerimwe rine kubhiti rimwe nehafu paurefu, kubhiti nehafu paupamhi uye kubhiti rimwe chete pakukwirira. Pamusoro pawo pakanga pakaiswa midziyo yavaibayira nayo zvibayiro zvinopiswa nezvimwewo zvibayiro. 43Uye zvikokovono zvaiva nemhanda mbiri, chimwe nechimwe chakanga chine upamhi hwechanza chomunhu pakureba, zvakanga zvakasungirirwa pamadziro ose. Matafura akanga ari enyama yezvipiriso.
Makamuri aVaprista
44Kunze kwesuo romukati, nechomukati moruvazhe rwomukati, makanga muna makamuri maviri, rimwe kurutivi rwesuo rokumusoro uye rakatarisa kumusoro. 45Iye akati kwandiri, “Kamuri rakatarisa zasi, nderavaprista vanochengeta temberi, 46Uye kamuri rakatarisa kumusoro nderavaprista vanochengeta aritari. Ava ndivo vana vaZadhoki, vanova ndivo vaRevhi chete vangaswedera pedyo naJehovha kuti vashumire pamberi pake.”
47Ipapo akayera ruvazhe: Rwakanga rwakaenzana mativi ose, makubhiti zana pakureba, uye makubhiti zana paupamhi. Uye aritari yakanga iri pamberi petemberi.
Temberi
48Akandiendesa kubiravira retemberi ndokuyera mbiru dzebiravira, dzakanga dzina makubhiti mashanu kumativi ose. Upamhi hwesuo hwaiva makubhiti gumi namana uye madziro acho aionekera akanga ana makubhiti matatu paupamhi kumativi ose. 49Biravira rakanga rina makubhiti makumi maviri paupamhi, uye makubhiti gumi namaviri kubva mberi kusvika shure. Ikoko kwaisvikwa nezvikwiriso, uye kwakanga kune mbiru parutivi rumwe norumwe rwedzimwe mbiru.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 40: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.