Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 16

16
Kufananidzirwa kwoKusatendeka kweJerusarema
1Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu, tsiura Jerusarema pamwe chete nezvinyangadzo zvaro 3uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha kuJerusarema: Madzitateguru ako nokwaakaberekerwa ndiko kunyika yeKenani; baba vako vakanga vari muAmori uye mai vako vakanga vari muHiti. 4Pazuva rawakaberekwa rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti uchene, uye hauna kutongokwizwa nomunyu kana kuputirwa mumucheka. 5Hakuna munhu akakunzwira tsitsi kana kuva nengoni newe kuti akuitire chinhu chimwe chezvinhu izvi. Asi, wakarasirwa kusango, nokuti musi wawakaberekwa iwe wakashorwa.
6“ ‘Ipapo ndakapfuura napo ndikakuona uchipfakanyika uri muropa rako, uye pawakanga uvete ipapo uri muropa rako, ndakati kwauri, “Rarama!” 7Ndakakuita kuti ukure somuti wesango. Wakakura ukanyatsoumbika ukava ukomba hwakaisvonaka. Mazamu ako akakura nebvudzi rako rikakura, iyewe wakanga wakashama usina chinhu.
8“ ‘Shure kwaizvozvo, ndakapfuura nepauri, uye pandakatarira pauri ndakaona kuti wakanga wakura pane zvorudo, ndikawarira rutivi rwenguo yangu pamusoro pako ndokukufukidza pakushama kwako. Ndakakupikira ndikaita sungano newe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, iwe ukava wangu.
9“ ‘Ndakakushambidza nemvura uye ndikakugeza kubvisa ropa rako, ndokukuzodza mafuta. 10Ndakakufukidza nezvakarukwa zvakanaka ndikakupfekedza shangu dzamatehwe. 11Ndakakufukidza nomucheka wakaisvonaka ndikakufukidza mucheka uno murango unokosha. Ndakakushongedza noukomba: ndikaisa zvishongo zvomumaoko nouketani pamutsipa wako, 12uye ndakaisa mhete pamhuno yako, nemhete panzeve dzako uye nekorona yakanaka pamusoro wako. 13Saka wakashongedzwa negoridhe nesirivha; nguo dzako dzaiva dzomucheka wakaisvonaka uye mucheka womutengo mukuru nomucheka wakarukwa. Zvokudya zvako zvaiva zvoupfu hwakatsetseka, nouchi namafuta omuorivhi. Wakabva wanaka chose ukasimukira kusvikira wava mambokadzi. 14Mukurumbira wokunaka kwako wakapararira pakati pendudzi, nokuti kubwinya kwandakaisa pamusoro pako kwakaita kuti kunaka kwako kuve kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15“ ‘Asi iwe wakavimba norunako rwako ukashandisa mbiri yako kuti uve chifeve. Wakazadza munhu wose akapfuura napauri noufeve uye nokuda kworunako rwako ukava wake. 16Wakatora dzimwe nhumbi dzako ukashongedza nzvimbo dzakakwirira, kwawakaramba uchiitira ufeve hwako. Zvinhu zvakadaro hazvifaniri kuitika uye hazvifaniri kutomboitwa. 17Wakatorazve ukomba hwezvishongo zvakaisvonaka zvandakakupa, ukomba hwakaitwa negoridhe nesirivha, uye ukazviitira zvifananidzo zvechirume ndokuita ufeve nazvo. 18Uye wakatora nguo dzako dzakarukwa kuti ufukidze zvifananidzo, uye ukapira mafuta angu ezvinonhuhwira pamberi pazvo. 19Uyezve zvokudya zvandakakupa, upfu hwakatsetseka, mafuta omuorivhi nouchi zvandakakupa kuti udye, wakazvipira sezvinonhuhwira pamberi pazvo. Izvozvo ndizvo zvakaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
20“ ‘Uye wakatora vanakomana navanasikana vawakaberekera ini ukavabayira sezvokudya kuzvifananidzo. Ko, ufeve hwako hwakanga husina kuringana here? 21Wakauraya vana vangu ukavabayira kuzvifananidzo. 22Mumabasa ako ose anonyangadza hauna kurangarira mazuva ouduku hwako, pawakanga usina kupfeka usina chinhu, uchikava-kava uri muropa rako.
23“ ‘Nhamo! Une nhamo iwe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Pamusoro pokumwe kuipa kwako kwose, 24wakazvivakira nzvimbo yakakwirira ukazviitira shongwe refu pazvivara zvose zvomusha. 25Wakavaka shongwe dzako refu panotangira nzira dzose dzomumusha ndokuderedza runako rwako, uchipira muviri wako nokuwanza kupata kwako kuna ani zvake aipfuura napauri. 26Wakaita ufeve navaIjipita, vawakavakidzana navo ivo vazere noruchiva, ukamutsa kutsamwa kwangu, nokuwanda kwokupata kwako. 27Saka ndakatambanudza ruoko rwangu kuti ndikurwise ndikatapudza nyika yako; ndikakuisa pasi pokukara kwavavengi vako, vanasikana vavaFiristia, ivo vakavhundutswa namafambiro ako. 28Wakaitazve ufeve navaAsiria, nokuti wakanga usingagoni kuguta; kunyange shure kwaizvozvo hauna kumbogutsikana nazvo. 29Ipapo wakawanza kupata kwako kuti kubatanidzire Bhabhironi, nyika yavashambadziri, asi kunyange naizvozvi hauna kugutsikana.
30“ ‘Unoshayiwa simba sei, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, paunoita zvinhu izvi zvose, zvinoitwa nechifeve chisinganyari. 31Pawakavaka nzvimbo dzakakwirira pamavambo enzira dzose dzomumusha ndokuzviitira shongwe refu pazvivara zvose, wakanga usingaiti sechifeve, nokuti wakashora muripo.
32“ ‘Iwe chifeve chomukadzi! Unoshuva vatorwa kupinda murume wako! 33Chifeve chimwe nechimwe chinogamuchira muripo, asi iwe unopa zvipo kuvadiwa vako vose, nokuvafufura kuti vauye kwauri vachibva kwose kwose nokuda kwokupata kwako kusina unhu. 34Saka iwe wakasiyana navamwe pakufeva kwako; hakuna anokumhanyira nokuda kwokupata kwako. Iwe wakasiyana chose, nokuti ndiwe unopa muripo uye iwe hauna chaunopiwa.
35“ ‘Naizvozvo, iwe chifeve, chinzwa shoko raJehovha! 36Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti wakadurura pfuma yako nokufukura kusasimira kwako mukupata kwako navadiwa vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvako zvose zvinonyangadza, uye nokuda kwokuti wakavapa ropa ravana vako, 37Naizvozvo ndichaunganidza vadiwa vako vose, vawaifara navo, vaya vawaida navaya vawaivenga. Ndichavaunganidza kubva kwose kwose kuti vakurwise uye ndichakufukura pamberi pavo uye vachaona kusasimira kwako kwose. 38Ndichakutonga nomutongo wavakadzi vanoita ufeve navanoteura ropa; ndichauyisa pamusoro pako ropa rokutsiva kwehasha dzangu negodo rokutsamwa kwangu. 39Ipapo ndichakuisa mumaoko avadiwa vako, uye vachakoromora nzvimbo dzako dzakakwirira vagoparadza shongwe dzako refu. Vachakubvisa nguo dzako vagotora ukomba hwako hwakanaka vagokusiya usina kupfeka wakashama. 40Vachauya nemhomho yavanhu kuti izokurwisa, vachakutema namabwe nokukubvamburanya neminondo yavo. 41Vachapisa dzimba dzako nokukuranga pamberi pavakadzi vazhinji. Ndichagumisa ufeve hwako, uye hauchazoripirizve vadiwa vako. 42Ipapo hasha dzangu pamusoro pako dzichaserera uye godo rokutsamwa kwangu richabva kwauri; ndichadzikama uye handingatsamwizve.
43“ ‘Nokuti hauna kurangarira mazuva ouduku hwako asi wakanditsamwisa nezvinhu zvose izvi, zvirokwazvo ndichauyisa pamusoro pako zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ko, hauna kuwedzera unzenza pane mamwe mabasa ako ose anonyangadza here?
44“ ‘Munhu wose achataura tsumo achareva tsumo iyi pamusoro pako: “Sezvakaita mai ndizvo zvakaita mwanasikana.” 45Iwe uri mwanasikana chaiye wamai vako, vakashora murume wavo navana vavo; uye uri mununʼuna chaiye wamadzikoma ako, akashora varume vavo navana vavo. Mai vako vakanga vari muHiti uye baba vako vari muAmori. 46Mukoma wako akanga ari Samaria, akanga achigara kumusoro kwako navanasikana vake; uye mununʼuna wako, akanga achigara kurutivi rwezasi kwako navanasikana vake, akanga ari Sodhomu. 47Hauna kungofamba nenzira dzavo chete nokutevedzera zvinonyangadza zvavo, asi iwe munzira dzako dzose wakakurumidza kuva wakashata chose kupfuura ivo. 48Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, mununʼuna wako Sodhomu navanasikana vake havana kumboita zvawakaita iwe nezvakaitwa navanasikana vako.
49“ ‘Zvino ichi ndicho chaiva chivi chomununʼuna wako Sodhomu: Iye navanasikana vake, vaizvikudza vaidyisa uye vaiva vasina hanya; havana kubatsira varombo navanoshayiwa. 50Vakanga vana manyawi uye vaiita zvinhu zvinonyangadza pamberi pangu. Naizvozvo ndakavarasa sezvamunoona. 51Samaria harina kuita hafu yezvivi zvawakaita iwe. Iwe wakaita zvinhu zvinonyangadza kupfuura zvavakaita ivo, uye wakaita kuti vanunʼuna vako vange vakarurama nokuda kwezvinhu izvi zvawakaita iwe. 52Takura kunyadziswa kwako iwe, nokuti wakavigira mununʼuna wako kururamisirwa. Nokuti zvivi zvako zvakanga zvichinyadzisa chose kupinda zvavo, ivo vanoratidzika kunge vakarurama kupfuura iwe. Saka zvino, chinyara uye zvitakurire nyadzi dzako, nokuti wakaita kuti mununʼuna wako ave akarurama.
53“ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndichadzosazve pfuma yeSodhomu navanasikana varo neyeSamaria navanasikana varo, uye pfuma yako pamwe chete navo, 54kuitira kuti ugotakura nyadzi dzako ugonyara pane zvose zvawakaita uchivanyaradza. 55Uye vanunʼuna vako, ivo Sodhomu navanasikana vake neSamaria navanasikana vake, uye iwe navanasikana vako muchadzokera pane zvavaiva kare. 56Haungazomborevi nezvomununʼuna wako Sodhomu pazuva rokuzvikudza kwako, 57kuipa kwako kusati kwafukurwa. Kunyange zvino, uri kusekwa izvozvi navanasikana veEdhomu navavakidzani varo vose, uye vanasikana veFiristia, navose vakakupoteredza vanokushora. 58Uchazvitakurira zvibereko zvounzenza hwako namabasa ako anonyangadza, ndizvo zvinotaura Jehovha.
59“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakuitira zvakakufanira, nokuti wakazvidza mhiko dzangu nokuputsa sungano yangu. 60Asi hazvo ndicharangarira sungano yandakaita newe pamazuva ouduku hwako, ndigosimbisa sungano isingaperi newe. 61Ipapo ucharangarira nzira dzako ugonyora paunogamuchira vanunʼuna vako, vose vakuru kwauri uye navaduku kwauriwo. Ndichavapa kwauri savanasikana, asi kwete nokuda kwesungano yangu newe. 62Saka ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchaziva kuti ndini Jehovha. 63Ipapo, kana ndayanana newe pane zvose zvawakaita, ucharangarira ugonyara uye ugozorega kushamisa muromo wako nokuda kwokuninipiswa kwako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 16: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda