Ekisodho 39
39
Nguo dzoUprista
1Kubva pawuru yebhuruu nepepuru netsvuku, vakaita nguo dzakarukwa dzoushumiri munzvimbo tsvene. Vakaitawo nguo tsvene dzaAroni, sokurayira kwakaita Jehovha kuna Mozisi.
Efodhi
2Vakaita efodhi yegoridhe, wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka. 3Vakapambadzira goridhe rikava marata matete uye vakagura tuwaya kuti tupfekerwe muwuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye mumucheka wakaisvonaka, basa remhizha ino unyanzvi. 4Vakaita zvipenga zvapapfudzi zveefodhi, zvaibatanidzwa pana mamwe makona ayo maviri, kuti isimbiswe. 5Bhanhire rayo romuchiuno rakarukwa nounyanzvi rakanga rakafanana nayo, zvaive chinhu chimwe neefodhi uye zvakagadzirwa negoridhe, newuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.
6Vakagadzira matombo eonikisi vakaanyudza mukati mamaruva egoridhe uye vakanyora norunyoro rwokutema padombo sezvinoitwa padombo rechisimbiso ramazita avanakomana vaIsraeri. 7Ipapo vakaisa pamapenga apamapfudzi eefodhi matombo echirangaridzo chavana vaIsraeri sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
Chidzitiro cheChipfuva
8Vakaita chidzitiro chechipfuva, basa remhizha ino unyanzvi. Vakachiita seefodhi: negoridhe, uye wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka. 9Chakanga chakaenzana mativi acho ose ari mana, chakaenzana nechanza#39:9 masendimita angaita 23 paurefu uye chakaenzana nechanza paupamhi uye chakapetwa kaviri. 10Ipapo vakagadzira mitsara mina yamatombo anokosha pamusoro pacho. Mumutsara wokutanga makanga mune ibwe rerubhi, topazi nebheriri; 11mumutsara wechipiri maiva netekoisi, nesafire uye neemaradhi; 12mumutsara wechitatu maiva nejasindi, neagati uye neametisiti; 13mumutsara wechina maiva nekirisoriti, neonikisi uye nejasipa. Akanga akagadzirwa mukati mamaruva egoridhe. 14Paiva namatombo gumi namaviri, rimwe richimirira rimwe ramazita avanakomana vaIsraeri, rimwe nerimwe rakanyorwa, sorunyoro rwakatemwa padombo sechisimbiso, chine rimwe ramazita amarudzi gumi namaviri.
15Chidzitiro chechipfuva vakachiitirawo uketani hwakarukwa negoridhe rakaisvonaka, rwakaita setambo. 16Vakaita maruva maviri egoridhe nemhete mbiri dzegoridhe, uye vakasungirira mhete idzi pana mamwe amakona maviri echidzitiro chechipfuva. 17Vakasungirira humwe uketani huviri hwegoridhe pamhete dzapamakona echidzitiro chechipfuva, 18uye mimwe miromo youketani pamaruva maviri, zvichibatanidzwa pazvipenga zvapamapfudzi eefodhi nechemberi. 19Vakagadzira mhete dzegoridhe mbiri vakadzibatanidza namamwe makona maviri echidzitiro chechipfuva pamupendero nechomukati pedyo neefodhi. 20Ipapo vakagadzira dzimwezve mhete mbiri dzegoridhe uye vakadzibatanidza nechepasi pezvipenga zvamapfudzi pamberi peefodhi, pedyo nemusono uri nechapamusoro pebhanhire romuchiuno refodhi. 21Vakasungirira mhete dzapachidzitiro chapachipfuva pamhete dzapaefodhi netambo yebhuruu, ichiibatanidza nebhanhire romuchiuno kuitira kuti chidzitiro chechipfuva chirege kubva paefodhi, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
Dzimwe Nguo dzoUprista
22Vakaita jasi reefodhi nomucheka webhuruu yoga, basa romuruki, 23rakazaruka pakati pejasi sokuzaruka kwekora, uye mupendero wakapoteredza buri iri, kuitira kuti rirege kubvaruka. 24Vakaita matamba ewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka wakapoteredza mupendero wejasi. 25Uye vakaita matare egoridhe rakaisvonaka uye vakaabatanidza achipoteredza mupendero pakati pamatamba. 26Matare namatamba akanga achipesana akapoteredza mupendero wejasi rinofanira kupfekwa pakushumira, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
27Vakaitira Aroni navanakomana vake, majasi omucheka wakaisvonaka, basa romuruki, 28uye nguwani yomucheka wakaisvonaka, bhanhire romucheka romumusoro uye nenguo dzapasi dzomucheka wakarukwa zvakaisvonaka. 29Ndaza yacho yakanga iri yomucheka wakarukwa zvakaisvonaka wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku, basa romuruki, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
30Vakagadzira ndiro, korona tsvene, yegoridhe rakaisvonaka uye yakanyorwa pairi, sorunyoro rwapachisimbiso, kuti: mutsvene kuna jehovha. 31Ipapo vakasungirira tambo yebhuruu pairi kuti ibatanidzwe nenguwani, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
Mozisi anoongorora Tabhenakeri
32Saka basa rose patabhenakeri, Tende Rokusangana, rakapera. VaIsraeri vakaita zvinhu zvose sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi. 33Ipapo vakauya netabhenakeri kuna Mozisi:
tende nenhumbi dzaro dzose, zvikorekedzo zvayo, mapuranga, mbariro, matanda nezvigadziko;
34chifukidzo chamatehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku, chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa nezvidzitiro zvokudzivirira;
35areka yeChipupuriro namapango ayo nechifunhiro chokuyananisa;
36tafura nemidziyo yayo dzose nechingwa choKuratidza;
37zvigadziko zvomwenje zvegoridhe rakaisvonaka nemitsara yacho yemwenje, nhumbi dzayo dzose, namafuta omwenje;
38aritari yegoridhe, mafuta okuzodza, zvinonhuhwira kwazvo nechidzitiro chapamukova wetende;
39aritari yendarira, chiparo chayo chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose;
dhishi nechigadziko charo;
40zvidzitiro zvoruvazhe namatanda nezvigadziko zvarwo, uye chidzitiro chapamukova woruvazhe;
tambo nembambo dzetende dzaparuvazhe;
midziyo yose yetabhenakeri, Tende Rokusangana;
41uye jasi rakarukwa rinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene dzaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.
42VaIsraeri vakanga vaita basa rose sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi. 43Mozisi akaongorora basa uye akaona kuti vakanga variita sokurayira kwakanga kwaita Jehovha. Saka Mozisi akavaropafadza.
Zvasarudzwa nguva ino
Ekisodho 39: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.