“Katatu pagore munofanira kupemberera mutambo kwandiri. “Mupemberere Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso; mazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso, sezvandakakurayirai. Muite izvi panguva dzakatarwa mumwedzi waAbhibhi, nokuti mumwedzi iwoyo ndipo pamakabuda kubva muIjipiti. “Hakuna munhu anofanira kumira pamberi pangu asina chinhu. “Mupemberere Mutambo woKukohwa nezvibereko zvokutanga zvezvirimwa zvamakadyara muminda yenyu. “Mupemberere Mutambo woKuunganidza pakupera kwegore, pamunounganidza zvirimwa zvenyu kubva mumunda. “Varume vose vanofanira kumira pamberi paIshe Jehovha katatu pagore. “Musapa ropa rechibayiro kwandiri pamwe chete nechinhu chipi zvacho chine mbiriso. “Mafuta ezvipiriso zvangu zvomutambo haafaniri kuchengetwa kusvikira mangwana mangwanani. “Muuye nezvakanakisisa zvezvibereko zvokutanga zvevhu renyu kuimba yaJehovha Mwari wenyu. “Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo. “Tarirai, ndiri kutumira mutumwa pamberi penyu kuti akuchengetei munzira uye kuti akusvitsei kunzvimbo yandakakugadzirirai. Murerekere nzeve dzenyu kwaari mugoteerera zvaanoreva. Musamumukira; iye haangazoregereri kumukira kwenyu, sezvo Zita rangu riri maari. Kana mukanyatsoteerera kune zvaanoreva nokuita zvose zvandinoreva, ini ndichava muvengi kuvavengi venyu uye ndichapikisa avo vanokupikisai. Mutumwa wangu achakutungamirirai uye achakupinzai munyika yavaAmori, vaHiti, vaPerezi, vaKenani, vaHivhi navaJebhusi, uye ndichavapedza chose. Musapfugamira vamwari vavo kana kuvanamata kana kuwadzana namabasa avo. Munofanira kuvaparadza uye mugoputsa matombo avo anoyera. Namatai Jehovha Mwari wenyu, uye ipapo maropafadzo ake achava pane zvokudya zvenyu nemvura yenyu. Ndichabvisa urwere kubva pakati penyu, uye hakuna achabva pamuviri kana asingabereki munyika yenyu. Ndichakupai upenyu huzere. “Ndichatuma kuvhundutsa kwangu pamberi penyu uye ndichauyisa nyonganiso pamusoro pendudzi dzose dzamunosangana nadzo. Ndichaita kuti vavengi venyu vose vatendeuke vagotiza. Ndichatuma mago pamberi penyu kuti adzinge vaHivhi, vaKenani navaHiti kuti vabve munzira yenyu. Asi handizovadzingi mugore rimwe chete, nokuti nyika ingazoita sango uye mhuka dzesango dzikakuwandirai. Ndichavabvisa pamberi penyu zvishoma zvishoma, kusvikira manyatsowanda kuti mutore nyika. “Ndichasimbisa miganhu yenyu kubva kuGungwa Dzvuku kusvikira kuGungwa ravaFiristia, uye kubva kuRenje kusvikira kuRwizi. Ndichaisa mumaoko enyu vanhu vagere munyika iyi uye imi muchavadzinga pamberi penyu. Musaita sungano navo kana navamwari vavo. Musavatendera kuti vagare munyika yenyu kuti varege kukuitai kuti munditadzire, nokuti kunamata vamwari vavo kuchava musungo kwamuri zvirokwazvo.”
Verenga chikamu Ekisodho 23
Terera ku Ekisodho 23
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 23:14-33
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo