Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 23:14-33

Ekisodho 23:14-33 SNA2002

Undiitire mutambo katatu pagore. Uite mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa; udye zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira, panguva yakatarwa pamwedzi weAbhibhi (nokuti wakabuda nawo Ijipiti); kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu; uye mutambo wokukohwa, wezvitsva zvamabasa ako, zvawakadyara mumunda mako; uye mutambo wokuunganidza pakupera kwegore, kana wounganidza zvamabasa ako pamunda. Varume venyu vose ngavauye pamberi paShe Mwari katatu pagore. Usandivigira ropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa; namafuta omutambo wangu arege kuvata usiku hwose kusvikira mangwana. Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo. Tarira, ndinotuma mutumwa pamberi pako, akuchengete panzira, akuise panzvimbo yandakakugadzirira. Munzwei, muteerere izwi rake, musamutsamwisa, nokuti haangakukanganwiriyi kudarika kwenyu, nokuti zita rangu riri maari. Asi kana ukateerera izwi rake nomwoyo wake wose, ukaita izvozvo zvose zvandinotaura, ndichava muvengi wavavengi vako, nomudzivisi wavadzivisi vako. Nokuti mutumwa wangu achakutungamirira, akusvitse kuvaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaKenani, navaHivhi, navaJebhusi; ini ndichavaparadza. Usapfugamira vamwari vavo, kana kuvashumira, kana kutevera mabasa avo; asi unofanira kuvaparadza chose, nokuputsanya shongwe dzavo. Shumira Jehovha Mwari wako, kuti aropafadze chingwa chako nemvura yako; neni ndichabvisa urwere pakati penyu. Hakungavi nechinhu chinosvodza, kana chisingabereki panyika yako; ndichazadzisa mazuva ako. Ndichatuma chityiso changu pamberi pako, nokukanganisa ndudzi dzose dzauchasvika kwadziri, ndichafuratidza vavengi vako vose. Ndichatuma mago pamberi pako, adzinge vaHivhi, navaKenani, navaHeti pamberi pako. Handingavadzingi pamberi pako negore rimwe, kuti nyika irege kuita renje, zvikara zvesango zvirege kukuwandira. Ndichanyatsovadzinga pamberi pako, kusvikira mava vazhinji, upiwe nyika ive nhaka yako. Ndichaisa miganhu yako kubva paGungwa Dzvuku kusvikira kuGungwa ravaFirisitia, nokubva kurenje kusvikira kuRwizi, nokuti ndichapa vagere munyika mumaoko enyu, uvadzinge pamberi pako. Rega kuita sungano navo, kana navamwari vavo. Havafaniri kugara munyika yako, kuti varege kukutadzisa pamberi pangu, nokuti kana ukashumira vamwari vavo, zvirokwazvo izvo zvichava musungo kwauri.

Verenga chikamu Ekisodho 23