Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 18:22-24

Ekisodho 18:22-24 BDSC

Uvaite kuti vashande savatongi vavanhu panguva dzose, asi uvaite kuti vauye kwauri nenyaya dzose dzakaoma; nyaya dzakareruka ngavatonge ivo pachavo. Izvozvo zvicharerutsa mutoro wako, nokuti vanenge vachigovana newe. Kana uchiita izvi uye Mwari achikurayira, uchagona kutakura mutoro uyu, uye vanhu vose ava vachaenda kudzimba vagutsikana.” Mozisi akateerera tezvara wake akaita zvinhu zvose zvaakareva.