VaIjipita, mabhiza ose aFaro nengoro dzake, vatasvi vamabhiza namauto, vakatevera vaIsraeri vakavabata pavakanga vadzika musasa pagungwa pedyo nePi Hahiroti, pakatarisana neBhaari Zefoni. Faro paakanga osvika, vaIsraeri vakasimudza meso avo, uye vakaona vaIjipita vachifamba vachivatevera. Vakavhunduka uye vakachema kuna Jehovha. Vakati kuna Mozisi, “Zvinoreva kuti muIjipiti makanga musina makuva here zvawatiuyisa kurenje kuti tife? Chiiko chawaita kwatiri zvawatibudisa muIjipiti? Ko, tiri muIjipiti hatina kuti, ‘Tisiye takadaro; rega tishandire vaIjipita here’? Zvaiva nani kwatiri kuti tishandire vaIjipita pano kuti tifire murenje!” Mozisi akapindura vanhu akati, “Musatya. Mirai nesimba uye muchaona kusunungura kwaJehovha kwaachakuitirai nhasi. VaIjipita vamunoona nhasi hamuchazovaonizve. Jehovha achakurwirai; imi ingonyararai bedzi.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Seiko uchidanidzira kwandiri? Taurira vaIsraeri kuti vapfuurire mberi.
Verenga chikamu Ekisodho 14
Terera ku Ekisodho 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 14:9-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo