VaIjipiti vakaronda vaIsiraeri. Vakanga vaine ngoro dzose dzaFarao dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo nehondo yake. Vakabatira vaIsiraeri vave kuPihahiroti pakatarisana neBhaarizefoni vari pamatendhe avo pedyo negungwa. Farao paakanga oswedera pedyo navo, vaIsiraeri vakacheuka, onei vaIjipiti vakarongana vachivatevera, vakatya kwazvo vakachema kuna Tenzi. Vakati kuna Mosesi, “Ko iko kuIjipiti kwakanga kusina makuva here zvawakatitora ikoko kuti tifire murenje muno? Iyewe ndiwe wakatiburitsa muIjipiti, zvino chawakatiitira chii ipapa? Handiti ndizvozvi here zvatakakuudza tichiri muIjipiti kuti siyana nesu, utirege tishandire vaIjipiti. Zvaitova nani kuti tishandire vaIjipiti pano kufira murenje.” Asi Mosesi akati kuvanhu, “Musatye zvenyu, batai mwoyo. Nhasi uno muchaona kununurwa kwamuchaitwa naTenzi. Ivava vaIjipiti vamuri kuona nhasi, hamuchazovaonizve. Tenzi ndiye achakurwirai, chenyu imi chete kubata hana.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Uri kuchemereiko kwandiri? Udza vaIsiraeri kuti varambe vachifamba.
Verenga chikamu Kubuda 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 14:9-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo