Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 14:13-16

Ekisodho 14:13-16 BDSC

Mozisi akapindura vanhu akati, “Musatya. Mirai nesimba uye muchaona kusunungura kwaJehovha kwaachakuitirai nhasi. VaIjipita vamunoona nhasi hamuchazovaonizve. Jehovha achakurwirai; imi ingonyararai bedzi.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Seiko uchidanidzira kwandiri? Taurira vaIsraeri kuti vapfuurire mberi. Simudza tsvimbo yako ugotambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuti mvura iparadzane kuitira kuti vaIsraeri vapinde mugungwa napavhu rakaoma.