Faro akati atendera vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvatungamirira nenzira yaipinda nomunyika yavaFiristia, kunyange zvazvo yakanga iri pfupi. Nokuti Mwari akati, “Kana vakasangana nehondo, vangashandura pfungwa dzavo vakadzokera kuIjipiti.” Saka Mwari akatungamirira vanhu vachipoterera nomumugwagwa womurenje vakananga kuGungwa Dzvuku. VaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti vakapakata nhumbi dzehondo. Mozisi akatora mapfupa aJosefa nokuti Josefa akanga aita kuti vanakomana vaIsraeri vapike mhiko. Akanga ati, “Zvirokwazvo Mwari achakubatsirai, uye ipapo munofanira kutakura mapfupa angu kubva panzvimbo ino.” Vakati vabva paSukoti vakadzika musasa paEtamu pamucheto werenje. Masikati Jehovha aivatungamirira neshongwe yegore kuti avatungamirire munzira yavo uye usiku aivatungamirira neshongwe yomoto kuti vavhenekerwe, kuti vafambe masikati kana usiku. Shongwe yegore masikati kana shongwe yemoto usiku hazvina kubva panzvimbo yazvo pamberi pavanhu.
Verenga chikamu Ekisodho 13
Terera ku Ekisodho 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 13:17-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo