Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaEfeso 3:8-21

VaEfeso 3:8-21 BDSC

Kunyange ndiri muduku pavanhu vose vaMwari, idzi nyasha dzakapiwa kwandiri: kuti ndiparidze vhangeri kune veDzimwe Ndudzi pfuma yaKristu isinganzwisisiki; uye kuti ndiratidze pachena kuvanhu vose kugoverwa kwechakavanzika ichi, icho panguva yakare chakanga chakavigwa muna Mwari, iye akasika zvinhu zvose. Zvaaida zvino ndezvokuti, kubudikidza nekereke, uchenjeri hwaMwari hukuru huziviswe kuvatongi navane simba vari muchadenga, maererano nevavariro yake isingaperi yaakakwanisa muna Kristu Jesu Ishe wedu. Maari, uye kubudikidza nokutenda kwaari tinogona kusvika kuna Mwari takasununguka uye tisingatyi. Naizvozvo, ndinokukumbirai, kuti murege kuora mwoyo nokuda kwamatambudziko angu nokuda kwenyu, anova kukudzwa kwenyu. Nokuda kwaizvozvi, ndinopfugama pamberi paBaba, nokuti mhuri yavo yose iri kudenga napanyika inowana zita rayo kubva kwavari. Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati, kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbiswe murudo, muve nesimba, pamwe chete navatsvene vose, kuti mubate kuti kupamhamha, nokureba uye kukwirira, nokudzika kworudo rwaKristu kwakadii, uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari. Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu, ngaave nokubwinya mukereke uye nomuna Kristu Jesu kumarudzi namarudzi, nokusingaperi-peri! Ameni.