Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaEfeso 2:4-7

VaEfeso 2:4-7 BDSC

Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni, akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha. Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa kudenga muna Kristu Jesu, kuitira kuti munguva dzinouya aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake, zvichiratidzwa muunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu.