Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaEfeso 1:1-6

VaEfeso 1:1-6 BDSC

Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, kuvatsvene vari muEfeso, vakatendeka muna Kristu Jesu: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri. Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu. Nokuti akatisarudza maari nyika isati yasikwa kuti tive vatsvene vasina chavanopomerwa pamberi pake. Murudo akatirongera kare kuti tigoitwa vana vake kubudikidza naJesu Kristu, maererano nomufaro wake uye nokuda kwake, kuti kunakisisa kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muna Iye waanoda kurumbidzwe.