Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 2

2
Kufara kuzhinji hakuna maturo
1Ndakati mumwoyo mangu, “Uya zvino, ndichakuedza nomufaro kuti uzive chakanaka.” Asi naizvozviwo hazvina maturo. 2Ndakati, “Kuseka upenzi, uyezve mafaro anobatsireiko?” 3Ndakaedza kuzvifadza newaini, uye kumbundikira upenzi, pfungwa dzangu dzichinditungamirira nouchenjeri. Ndaida kuona kuti chii chakafanira kuti vanhu vaite pasi pedenga mumazuva mashoma oupenyu hwavo.
4Ndakaita mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba ndikazvirimira minda yemizambiringa. 5Ndakazvigadzirira mapindu, neminda yemiti uye ndikasimamo miti yemichero yendudzi dzose. 6Ndakavaka madhamu kuti ndidiridzire sango remiti yaikura. 7Ndakatenga varandarume navarandakadzi, uye ndaiva navamwe varanda vakaberekerwa mumba mangu. Ndaivawo nepfuma zhinji yemombe namakwai, kupfuura ani zvake akanditangira kuvapo paJerusarema. 8Ndakazviunganidzira sirivha negoridhe, uye nepfuma yamadzimambo uye neyamatunhu. Ndakatsvaka vaimbi, varume navakadzi, uye nezviridzwa, nezvinofadza vanakomana vavanhu, navarongowo vazhinji. 9Saka ndakava mukuru kwazvo kupfuura ani zvake akanditangira paJerusarema. Mune izvi zvose uchenjeri hwangu hwakaramba huneni.
10Handina kuzvirambidza zvinhu zvaidiwa nameso angu,
handina kurambidza mwoyo wangu mufaro.
Mwoyo wangu wakafadzwa nebasa rangu rose,
uye uyu ndiwo wakava mubayiro wokushanda kwangu kwose.
11Asi pandakaongorora mabasa ose akanga aitwa namaoko angu
uye zvandakatambudzikira kuti ndiwane,
zvose zvakanga zvisina maturo, kwaingova kudzingana nemhepo;
hapana chaibatsira pasi pezuva.
Uchenjeri noUpenzi hazvina maturo
12Naizvozvo ndakapindura pfungwa dzangu kuti ndicherechedze uchenjeri,
urema uye noupenzi.
Chii chimwe chingaitwa nomunhu
anotevera mumwe paumambo kunze kwezvakatoitwa kare?
13Ndakaona kuti uchenjeri huri nani pano upenzi,
sezvo chiedza chiri nani pane rima.
14Meso omunhu akachenjera ari mumusoro make,
nokuno rumwe rutivi benzi richifamba murima;
asi ndakasvika pakuziva kuti
vose vanowirwa nedambudziko rimwe chete.
15Ipapo ndakafunga mumwoyo mangu ndikati,
“Magumo ebenzi achandiwanawo neni.
Chii zvino chandinowana pakuva munhu akachenjera?”
Ndakati mumwoyo mangu,
“Izviwo hazvina maturo.”
16Nokuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa;
mumazuva anouya vose vachazokanganwikwa.
Kufanana nebenzi, akachenjera anofanira kufawo!
Kushanda hakuna maturo
17Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandirwadza kwazvo. Zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo. 18Ndakavenga zvinhu zvose zvandakashingairira pasi pezuva, nokuti ndinofanira kuzvisiyira anonditevera. 19Uye ndiani angaziva kana achizova akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pebasa rose randakatamburira nesimba nounyanzvi hwangu pasi pezuva. Izviwo hazvina maturo. 20Saka mwoyo wangu wakatanga kushungurudzika pamusoro pokutambudzika nokushanda kwangu pasi pezuva. 21Nokuti munhu angaite basa rake nouchenjeri, noruzivo uye nounyanzvi, zvino ipapo ozofanira kusiya zvose zvaanazvo kuno mumwe asina kuzvishandira. Naizvozviwo hazvina maturo uye chinhu chakaipa kwazvo. 22Munhu anowanei pakushanda kwose nokushingaira kwomwoyo nokuda kwokushanda kwake pasi pezuva? 23Mazuva ake ose basa rake kurwadziwa nokusuwa; kunyange nousiku pfungwa dzake hadzizorori. Naizvozviwo hazvina maturo.
24Munhu haana chaangaita chinopfuura kudya nokunwa kuti awane kugutswa pakushanda kwake. Naizvozviwo, ndinoona kuti zvinobva muruoko rwaMwari, 25nokuti kana pasina iye, ndiani angadya kana kuwana mufaro? 26Kuno munhu anomufadza, Mwari anopa uchenjeri, nezivo nomufaro asi kuno mutadzi, anopa basa rokuunganidza nokuchengetera upfumi kuti agozvipa uyo anofadza Mwari. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzingana nemhepo.

Zvasarudzwa nguva ino

Muparidzi 2: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda