Ipapo Mozisi akaenda akandotaura mashoko aya kuvaIsraeri vose achiti: “Zvino ndava namakore zana namakumi maviri uye handichagoni kukutungamirirai. Jehovha akati kwandiri, ‘Iwe haufaniri kuyambuka Jorodhani urwu.’ Jehovha Mwari wenyu pachake ndiye achayambuka ari pamberi penyu. Achaparadza ndudzi idzi dzose pamberi penyu, mugotora nyika yavo. Joshua ndiye achayambuka ari pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha. Zvino Jehovha achavaitira ivo zvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, vaakaparadza pamwe chete nenyika yavo. Jehovha achavaisa kwamuri, uye munofanira kuvaitira zvose zvandakakurayirai. Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuvhundutswa nokuda kwavo, nokuti Jehovha Mwari wenyu achaenda nemi; haangakusiyei kana kukurasai.” Ipapo Mozisi akadana Joshua akati kwaari, pamberi pavaIsraeri vose, “Simba utsunge mwoyo, nokuti unofanira kuenda navanhu ava munyika iyo Jehovha akapika kumadzitateguru avo kuti achavapa, uye unofanira kuigovera kwavari senhaka. Jehovha pachake achakutungamirira uye achava newe; haangakusiyi kana kukurasa. Usatya kana kuora mwoyo.”
Verenga chikamu Dhuteronomi 31
Terera ku Dhuteronomi 31
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhuteronomi 31:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo