Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 31:1-8

Dhuteronomi 31:1-8 SNA2002

Zvino Mosesi akaenda kundotaura mashoko awa kuvaIsiraeri vose, akati kwavari, “Ndava namakore ane zana namakumi maviri nhasi, handichagoni kubuda nokupinda; zvino Jehovha wakati kwandiri, ‘Iwe haungayambuki Jorodhani urwu.’ Jehovha Mwari wako ndiye uchakutungamirira pakuyambuka; iye uchaparadza ndudzi idzi dzose pamberi pako, dzichava dzako; Joshua ndiye uchakutungamirira pakuyambuka, sezvakataurwa naJehovha. Jehovha uchavaitira ivo sezvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, nenyika yavo, vaakaparadza. Jehovha uchavaisa mumaoko enyu, nemi munofanira kuvaitira zvose sezvandakakurairai. Simbai, mutsunge mwoyo, musatya kana kuvhunduswa navo; nokuti Jehovha Mwari wako ndiye unoenda newe, haangakuregi, haangakusiyi.” Zvino Mosesi akadana Joshua, akati kwaari pamberi pavaIsiraeri vose, “Simba, utsunge mwoyo, nokuti iwe uchaenda navanhu ava panyika yakapikirwa madzibaba avo naJehovha, kuti uchavapa iyo; iwe uchavagarisa nhaka iyo. Jehovha ndiye unokutungamirira, iye uchava newe, haangakuregi, haangakusiyi; usatya kana kuvhunduswa.”