Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaKorose 1:1-12

VaKorose 1:1-12 BDSC

Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, kuhama tsvene uye dzakatendeka dziri muna Kristu paKorose: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba ngazvive nemi. Tinogara tichivonga Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, patinokunyengetererai, nokuti takanzwa nezvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose, kutenda norudo zvinobva patariro yamakachengeterwa kudenga uye iyo yamakatonzwa nezvayo mushoko rezvokwadi, iro vhangeri rakasvika kwamuri. Munyika yose vhangeri iri riri kubereka zvibereko uye richikura sezvarakanga richiita pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa uye mukanzwisisa nyasha dzaMwari muzvokwadi yose. Makazvidzidza kubva kuna Epafrodhitasi, muranda pamwe chete nesu anodikanwa, mushumuri akatendeka waKristu nokuda kwedu, uye akatiudzawo nezvorudo rwenyu muMweya. Nokuda kwaizvozvi, kubvira pazuva ratakanzwa nezvenyu, hatina kurega kukunyengetererai tichikumbira Mwari kuti akuzadzei nokuziva kuda kwake kubudikidza nouchenjeri hwose hwomweya, uye nokunzwisisa. Uye tinonyengeterera izvi kuitira kuti mugare upenyu hwakafanira uye kuti mumufadze iye mune zvose: muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muchikura mukuziva Mwari, muchisimbiswa nesimba rose maererano nokubwinya kwesimba rake kuti muve nokutsunga kukuru uye nomwoyo murefu, muchifara kwazvo muchivonga ivo Baba, vakaita kuti mukodzere kugovana nhaka yavatsvene muumambo hwechiedza.