Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Amosi 9

9
Israeri ichaparadzwa
1Ndakaona Jehovha amire parutivi rwearitari, uye akati,
“Rova misoro yembiru
kuti zvikumbaridzo zvizunguzike.
Zviputsire pasi pamisoro yevanhu vose;
avo vachasara ndichavauraya nomunondo.
Hapana kana mumwe chete achatiza,
hapana achapunyuka.
2Kunyange vakachera kusvikira panoperera guva,
kubva imomo ruoko rwangu ruchavatora.
Kunyange vakakwira kumatenga,
kubva ikoko ndichavadzikisa pasi.
3Kunyange vakazvivanza pamusoro peKarimeri,
ipapo ndichavavhima ndigovabata.
Kunyange vakahwanda kubva kwandiri pasi pegungwa,
ipapo ndicharayira nyoka kuti ivarume.
4Kunyange vakaendeswa kuutapwa navavengi vavo,
ikoko ndicharayira munondo kuti uvaparadze.
Ndichananʼanidza meso angu pavari
kuti ndivaitire zvakaipa, kwete zvakanaka.”
5Ishe, Jehovha Wamasimba Ose,
iye anobata nyika igonyungudika,
navose vagere mairi vagochema,
nyika yose inozara seNairi,
uye igoderera serwizi rweIjipiti,
6iye anovaka muzinda wake kumatenga
agomisa hwaro hwawo panyika,
anodana mvura dzegungwa
agodzidururira pamusoro penyika,
Jehovha ndiro zita rake.
7“Nhai imi vaIsraeri, ko,
hamusi kwandiri vamwe chete savaEtiopia here?”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Handina kubudisa Israeri kubva kuIjipiti here,
vaFiristia kubva kuKafitori
navaAramu kubva kuKiri?
8“Zvirokwazvo meso aIshe Jehovha
ari paumambo hunotadza.
Ndichahuparadza
kubva pamusoro penyika,
asi handingaparadzi zvachose
imba yaJakobho,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
9“Nokuti ndicharayira,
uye ndichazunguza imba yaIsraeri pakati pendudzi dzose,
sokuzunguzwa kunoitwa zviyo murusero,
uye hapana kana tsanga
imwe chete ichawira pasi.
10Vatadzi vose pakati pavanhu vangu
vachafa nomunondo,
vose vanoti,
‘Njodzi haingatiwiri kana kusangana nesu.’
Israeri inomutsidzirwa
11“Pazuva iro ndichamisazve
tende raDhavhidhi rakawa.
Ndichavakazve nzvimbo dzaro dzakaputsika,
ndigovakazve matongo aro,
uye ndicharivaka sezvarakanga rakaita,
12kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomu
nendudzi dzose dzine zita rangu,”
ndizvo zvinotaura Jehovha, iye achaita zvinhu izvi.
13“Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
“mucheki paachapfuurwa nomurimi,
uye mudyari paachapfuurwa neanosvina mazambiringa.
Waini itsva ichadonha kubva kumakomo,
uye ichayerera kubva pazvikomo zvose.
14Ndichadzosazve vanhu vangu vakatapwa, ivo vaIsraeri;
vachavakazve maguta akaitwa matongo uye vachagara maari.
Vachasima minda yemizambiringa vagonwa waini yayo.
Vacharima mapindu uye vachadya zvibereko zvawo.
15Ndichasima Israeri munyika yavo voga,
havangazodzurwizve
kubva panyika yandakavapa,”
ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wako.

Zvasarudzwa nguva ino

Amosi 9: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda